Rufu imhandu yemunhu huru panyika kudarika zvinhu zvose. Hakuna chinhu chinovhundutsa uye kutyisa munhu kudarika rufu. Kana madzongonyodze achinge adzongonyodza mumhuri, anosiya kusuwa kwakanyanyisa. Makare kare rufu rwaiva nechimwe chiremerera charwaipiwa. Zita rekuti rufu harwaitongotaurwa sedambe pamiromo yavanhu. Ndiyo mhaka waiona rufu rwevanoremekedzwa vakaita semadzishe, rwaisatongoshambadzwa. Vemhuri yepedyo ndivo voga vaikasika kuziva uye ruzhinji rwaitozonzwa neguhu kwapera mavhiki mazhinji. Vana vadiki havaitongotenderwa kuwanikwa vari parufu nekuti vakuru vaiti zvaiyera.
Rufu makare rwaiti kana rwasvika mumusha, paitumwa nhume kunozozivisa hama dzemufi. Paitumwa munhu aigona kurunga mashoko ake zvakanaka kana ava kuzivisa shoko rerufu. Ndipo paya patinonzwa mashoko akaita sekuti, “chikomo chiye chakoromoka,” kana kuti aigona kusvika achiti mumvuri wemusha hapachina. Kana munhu ashaikira muchipatara, raiva basa ravana mugaradzakasungwa vaienda kunozivisa vemhuri yepedyo yemufi nezverufu rwehama yavo.
Munguva yatava kurarama hakuna munhu uchanyanyo vhunduka rufu.Unotonzwa munhu panharembozha achizivisa hama neshwamwari shoko rerufu sekunge arikuzivisa shoko remuchato.
Panoitika tsaona vanhu havachatye kutora mifananidzo yezvitunha uye vamwe vanozvitora mifananidzo vaine zvitunha zvinova zvinhu zvinokatyamadza mutsika nemagariro edu.
Kunyangwe nhamo dzamazuvano ukasvikapo unogona kufunga kuti uri pamakundano emucheno. Vanhu vava kutora mukana werufu kuratidzana zvishandwa pachinzvimbo chekuchema mufi. Uku ndiko kupindana kwaita mazuva. Asizve kunyangwe zvakadaro, pose parwunosvika rufu harujairike. Kunyange wakabva kusangano narwo munguva shoma yadarika, parwunouya zvekare mumhuri rwunova chinhu chitsva chisingagamuchirike. Hakuna ungazvirova dundundu achiti ini ndatindivara narwo rufu handichavhunduke.
Nyaya huru yechinyorwa chino handipo pakutaura nezverufu kunyanya, asi zviitiko zvinoitika mushure mekunge samusha ashaya mumhuri. Anogona kuva munhu anga ari iye bango ranga rakamisa mhuri.
Kufa kwemunhu iyeye mumhuri kunoita kuti zvinhu zvose zviende musango kune vanenge vasara.
Mati mambocherekedza here kuti kamuchemero kanoita vamwe vanhu panhamo vachizvibondera nekuungudza kukuru sandi nyaya yekuchema mufi. Vazhinji vanhu vakadaro vanenge vachizvidya moyo nenhamo yavachazenge vakutarisana nayo mushure mekunge mufi avigwa. Kana vari madzimai kunyanya, vanenge vachifunga kuti mari yekubhadharira vana mari dze zvikoro ichabvepi, mari yekubhadhara mutero wemba vachazvifambisa sei uye kunyangwe nekuchabva zvekudya.
Nguva yedu huru mukurarama tirikuitora mukugadzirira zuva rerufu kudarika kugadzirira zvinozoitika mushure mekunge tisisipo kumhuri dzedu. Vazhinji vedu tine kumakambani kwatinobhadhara mari mwedzi ne mwedzi kuti tizowana kuvigwa kwakanaka. Tinozvisarudzira mabhokisi akaisvonaka chose atichazovigwa navo. Hazvina kuipa kuita zvakadaro asiwo nerumwe rutivi ndezvipi zvinhu zvatiri kuitira mhuri dzedu kuti dzizosara dziine hupenyu huri nani kana tisisipo.
Panyaya ino handisi kutaura nezvekusiya wanyora wiri kana kusiya makutukutu emari nehupfumi kumhuri kana wafa. Vakuru vedu vanoti chirere chigokurerawo asi pano ndiri kuti chirere chigozvirerawo. Vangani vedu ana baba vane kubasa kwavo kunozvivikanwa nemhuri dzavo?
Vangani vana baba vane mabhindauko avanoita ekuunza mari avanoita pamwe nemhuri dzavo?
Kana uri munhu anoita basa rekuredza hove, mhuri yako ngaikwanisewo kugona kuredza hove. Kana uri uya anotengesa pamusika, ngazvizivikanwe nemhuri yako kuti unozvifambisa sei. Kubvira kwauno hodha zvitengeswa zvako uye kwekuzvitengesera, vemhuri yako ngavave mazviri. Izvi zvinoita sekunge zvisina basa. Makambozvifungawo here kuti musi waunofuma wakati tasa, kana wanga uriwe wega waigona kuredza hove mumhuri, ndipo panenge pafira sarungano.
Mamwe madzimai mudzimba chavanoziva mumisha yavo kupihwa mari yeusavi chete asi vasingazive kwayashandwa. Chinhu chakanaka chose, asi nerumwe ruti madzimai kana tisingakwanise kuita bhindauko rimwe chete nemurume wako, ita semudzimai uya wemubhuku yaZvirevo. Iva neako mabhindauko aunodzidzirawo uri wega. Zuva nezuva munenge moita pota neuko umwe achipota neuko mosangana mukuvira kwezuva. Musi unonzi umwe afuma akafa, hazviremere uya anenge asara nemhuri nekuti anenge aine zvimwe zviri kuunza chouviri.
Makare kare nyika yedu ichakanaka zvaiva nyore kuti mubereki anenge asara nemhuri aizoraramiswa nemari yepenjeni. Ikozvino hupfumi hwenyika hwakagwadama zvekuti kamari kacho kanozouya kasisina nesimba rinokwanisa kuwanisa mhuri zvose zvaingada.Uye nguva zhinji mari dzacho dzepenjeni unotanga wambopera tsoka uchidzifambira. Painozouya unenge wava nezvikwereti zvakatsikirirana newe.
Nyaya yedu haifanire kuperera kuvabereki chete kuti umwe neumwe wavo ave nechake chaanogona kuita kubatsirana kurerutsa mutoro. Nevana vedu vatakabereka ngatiwanei nguva navo yekuvadzidzisa kugadzirira hupenyu hwavo kana isu vabereki vavo tichinge tatorwa nenguva.
Magwaro matsvene anoti rovedzera mwana nzira yaanofanira kufamba nayo kuti kunyangwe akura haangazobve pairi. Kana pachitaurwa nyaya yekurovedzera haisi nyaya yekungoudza nekudzidzisa munhu kamwechete. Ibasa hombe rinoda kushinga kusvika waona kuti pano apa charovedzera muhana nemupfungwa make.
Mwana ngaadzidziswe kushanda kubvira ari pazera rechidiki. Ngativapei mabasa anoenderana nezera ravo vachiri pamba. Kana paine bindu ngaadzidziswe kudyara muriwo nekuudiridzira. Ngativadzidzisei mabasa akaita sekutsvaira mumba uye kubika chaiko. Zvinotangira pamangwanani mwana achimuka kubva paanenge akarara. Anofanira kugona kuwaridza nekupeta machira aange akararira kwete kungoti kwanyanu senyoka munhu achiti mubatsiri wepamba ndiye achamuitira.
Vana vazhinji varikusara vachikaviwa sebhora nehama dzevafi nekuti tinenge tavasiya vari ndonda vasina kana chimwe chavanogona kubata namaoko avo.
Hakuna chinhu chakakosha pahupenyu hwedu hwemazuva ano kuti tiwane nguva yekugara nevana vedu pasi tichivadzidzisa mabasa ose emaoko. Iyi ndiyo yoga pfuma yekuti kunyangwe isu vabereki tafuga redu toga, vanosara vaine unyanzvi hwekugona kuzvimiririra mukurarama. Ngatisangogadzirirei zuva rekufa kwedu asiwo ngatigadzirirei zvichazosara zvichiitika kuseri kweguva redu munyika yavapenyu.
Vamwe vedu vanogona kuti ini vangu vana ndichavasiira mari mubhangi uye hupfumi hwakawanda saka hapana chikonzero chekuti ndivadzidzise mabasa amaoko.
Mubhuku ya Mateu 25:14-25 tinoudzwa nezva Tenzi akasiya apa varanda vake matarenda. Umwe akapihwa mashanu , umwe akapiwa maviri uye umwe akapiwa rimwechete. Tinoudzwa kuti pakazodzoka Tenzi akawana vamwe vagona kushandisa matarenda avo zvakanaka atoberekana asi werimwechete akarifushira asarishandisa rikasagona kubereka mamwe.
Iri ndiro dambudziko huru rinowanzoitika zvikuru kuvana vanosiirwa hupfumi vasingagone kuhushandisa. Tikacherekedza munharaunda dzatigere tichaona kuti kune vana muzvinabhizimusi vaiva nemukurumbira wezvitoro pamwechete nemabhazi. Ikozvino mabhizimisi nehupfumi hwavo zvkamhova semoto wemazimbe. Mushure mekufa kwavo ndiko kwakava kufa kwemabhizimisi avo. Chikonzero ndechekuti vanenge vasina kumbowanawo nguva yekugara nekudzidzisa mhuri dzavo kugona kushandisa nekuchengetedza hupfumi hwavanenge vasiya panyika. Asi kudai vana ivavo vainge vakarovedzerwa pakugona kushandira hupfumi ihwohwo hapaizova nedambudziko nekuchengetedza zvavanenge vasiirwa.
Chikoro chemaoko ngachitangire pamusha zuva nezuva roga roga vana pavanomuka. Kana homwe dzedu dzichitendera tinogona kuvaendesa kune vane hunyanzvi hwemabasa emaoko kuti vadzidziswe nekudzidzira mabasa emaoko. Kungave kuimba, kuruka misoro, kutuhwina, kuridza zviridzwa kana mamwe emabasa amaoko, vana vedu ngativaroveredzerei mazviri kubva vachiri vadiki uye kuvakurudzira. Kugona kunyora nekuverenga muvana vedu hazvina kuipa asizve maoko avo ngavazive kuti anofanira kusava mbodza pakushanda.
Hakuna unoziva zvinogona kutiwira mumaminitsi mashoma enguva anotevera. Zvakadaro ngatitangei gadziriro yehupenyu hwemangwana hwemhuri yedu. Mberengera yakaradza mbuya nenzara. Ukaverengera uchiti ndicati ndo..ndozoti ndo…zvose zvinogona kubva zvati ndondondo tikasiira mhuri kuchema nekuungudza kusina magumo.

Tafadzwa Musakatiza

0 193